Proverbs 9

Kukoka kwoUchenjeri nekwoUpenzi

1Uchenjeri hwakavaka imba yahwo;
hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.
2Hwakabika nyama yahwo; uye hukagadzira waini yahwo;
hwakagadzirawo tafura yahwo.
3Hwakatuma varandakadzi vahwo,
uye hunodanidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta.
4Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti,
“Vose vasina uchenjeri ngavauye muno!
5Uyai, mudye zvokudya zvangu
munwe waini yandagadzira.
6Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama;
fambai munzira yokunzwisisa.

7“Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa;
ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.
8Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga;
tsiura munhu akachenjera uye achakuda.
9Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake;
dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.

10“Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri,
uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.
11Nokuti neni mazuva ako achava mazhinji,
uye makore achawedzerwa kuupenyu hwako.
12Kana uri wakachenjera, uchenjeri hwako huchakupa mubayiro;
kana uri mudadi, iwe woga ndiwe uchatambura.”

13Mukadzi benzi ane ruzha;
haana kudzikama uye haana zivo.
14Anogara pamusuo wemba yake,
napachigaro chiri panzvimbo yakakwiririsa yeguta,
15achidanidzira kuna avo vanenge vachipfuura napo,
vaya vanofamba zvakarurama nenzira yavo.
16Anoti kuna vaya vasina njere,
“Vose vasina mano ngavauye muno!
17Mvura yakabiwa inozipa;
zvokudya zvinodyirwa muchivande zvinonaka!”
18Asi zvavasingazivi ndezvokuti mune vakafa,
uye kuti vanomushanyira vari mukati kati meguva.
Copyright information for SnaBDSC